Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 13:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nomumugwagwa waipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvayo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.”

18. Saka Mwari akatungamirira vanhu achipoterera nomumugwagwa womurenje vakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti vakapakata nhumbi dzehondo.

19. Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.”

20. Vakati vabva paSukoti vakadzika musasa paEtami pamucheto werenje.

21. Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku.

22. Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 13