Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 12:41-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Pakupera kwamakore mazana mana namakumi matatu, kusvikira pazuva racho iroro, ungano yose yavanhu vaJehovha yakabva muIjipiti.

42. Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose.

43. Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Iyi ndiyo mitemo yePasika:“Mutorwa haafaniri kuidya.

44. Nhapwa ipi zvayo yawakatenga ingadya hayo mushure mokunge wamudzingisa,

45. asi mueni uye nomunhu anoshandira mari haafaniri kuidya.

46. “Inofanira kudyirwa muimba imwe chete; musabuda neimwe nyama kunze kwemba. Musavhuna kana bvupa.

47. Ungano yose yeIsraeri inofanira kuipemberera.

48. “Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya.

49. Murayiro mumwe chete iwoyo unobata kuna vose vakaberekerwa munyika imomo nokumutorwa agere pakati penyu.”

50. VaIsraeri vose vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni.

51. Uye pazuva racho iroro Jehovha akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti namapoka avo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 12