Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 11:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Ndichauyisa rimwezve dambudziko pamusoro paFaro napamusoro peIjipiti. Shure kwaizvozvo, achakutenderai kubva pano, uye paanozviita, achakudzingirai kunze zvachose.

2. Udza vanhu kuti varume navakadzi, zvimwe chetezvo, vakumbire vavakidzani vavo zvishongo zvesirivha nezvegoridhe.”

3. Jehovha akaita kuti vanhu vawanirwe nyasha navaIjipita, uye Mozisi pachake akanga achikudzwa zvikuru muIjipiti namachinda aFaro uye navanhu.

4. Saka Mozisi akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Pakati pousiku ndichafamba napakati peIjipiti.

5. Mwanakomana wose wedangwe ari muIjipiti achafa, kubva pamwanakomana wedangwe waFaro, iye agere pachigaro choushe, kusvikira kumwanakomana wedangwe womurandakadzi, ari paguyo rake, namatangwe ose emombewo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 11