Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 1:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa,

7. asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo.

8. Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti.

9. Akati kuvanhu vake, “Tarisai, vaIsareri vanyanya kuwanda kwazvo.

10. Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu uye vakazobva munyika.”

11. Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro.

12. Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri

13. uye vakavashandisa zvino utsinye.

14. Vakashungurudza upenyu hwavo nebasa rakaoma rezvidhina nedhaka uye nemhando dzose dzebasa romuminda; vaIjipita vakavashandisa noutsinye mubasa rakaoma.

15. Mambo weIjipiti akati kuna vananyamukuta vechiHebheru, vainzi Shifura naPua,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 1