Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 1:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake:

2. Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha;

3. Isakari, Zebhuruni naBhenjamini;

4. Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri.

5. Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti.

6. Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa,

7. asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo.

8. Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti.

9. Akati kuvanhu vake, “Tarisai, vaIsareri vanyanya kuwanda kwazvo.

10. Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu uye vakazobva munyika.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 1