Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe iri pazviri, uye musaitora kuti ive yenyu, nokuti ingava musungo kwamuri, nokuti inonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu.