Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 7:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Asi vaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza; haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga.

11. Naizvozvo, chenjerai kuti mutevere zvakarayirwa, mitemo nemirayiro yandinokupai nhasi.

12. Kana mukanyatsoteerera mirayiro iyi uye mukachenjerera kuti muitevere, ipapo Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano yake yorudo nemi, sezvaakapika kumadzitateguru enyu.

13. Achakudai uye achakuropafadzai uye achakuwedzerai uwandu hwenyu. Acharopafadza zvibereko zvomuviri wako, zvirimwa zvomunda wako, zviyo zvako, waini itsva namafuta, mhuru dzemombe uye makwayana amapoka ako munyika iyo yaakapikira madzitateguru enyu, kuti achakupai.

14. Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki.

15. Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai.

16. Munofanira kuparadza marudzi ose akaiswa mumaoko enyu naJehovha. Musavanzwira tsitsi uye musashumira vamwari vavo nokuti izvozvo zvichava musungo kwamuri.

17. Mungati mumwoyo menyu, “Ndudzi idzi dzakasimba kutipfuura. Tingadzidzinga seiko?”

18. Hamufaniri kuvatya; nyatsorangarirai zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Faro neIjipiti yose.

19. Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino.

20. Pamusoro pezvo Jehovha Mwari achatumira mago pakati pavo kusvikira kunyange nevachasara vari vapenyu vakavanda kubva kwamuri vaparadzwa.

21. Musatyiswa navo, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ari pakati penyu ndiMwari mukuru anotyisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 7