Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 4:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.

2. Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai.

3. Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati penyu aitevera Bhaari Peori.

4. Asi imi mose makanamatira pana Jehovha Mwari wenyu muchiri vapenyu nhasi.

5. Tarirai, ndakudzidzisai mitemo nemirayiro sezvandakarayirwa naJehovha Mwari wangu, kuti muitevere munyika yamuri kupinda kuti muitore ive yenyu.

6. Muichengete zvakanaka, nokuti izvi zvicharatidza uchenjeri nokunzwisisa kwenyu kundudzi dzichanzwa pamusoro pemitemo iyi yose uye vachati, “Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru, vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.”

7. Ndorupi rumwe rudzi rukuru runa vamwari varwo vari pedyo navo saJehovha Mwari wedu ari pedyo nesu nguva ipi neipi zvayo yatinonyengetera kwaari?

8. Uye ndorupiko rudzi rukuru rune mitemo nemirayiro yakarurama semirayiro iyi yandiri kuisa pamberi penyu nhasi?

9. Asi zvichenjererei, mugonyatsozvichengetedza kuitira kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nameso enyu kana kuzvirega zvichibuda mumwoyo menyu mazuva ose oupenyu hwenyu. Muzvidzidzise nokuvana venyu.

10. Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, paakati kwandiri, “Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo.”

11. Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru.

12. Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi ramashoko asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga.

13. Iye akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, iyo akakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe.

14. Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu.

15. Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhu ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru,

16. kuita kuti murege kuzvishatisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingave chakaitwa somurume kana somukadzi,

17. kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga,

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 4