Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kufa kwaMozisi

1. Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani.

2. Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira,

3. Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari.

4. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.”

5. Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha.

6. Akamuviga muMoabhu, mumipata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake.

7. Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera.

8. VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera.

9. Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

10. Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso,

11. uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose.

12. Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.