Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 33:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa.

2. Akati:“Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake.

3. Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa,

4. murayiro watakapiwa naMozisi, nhaka yeungano yaJakobho.

5. Akanga ari mambo weJeshuruni vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana, pamwe chete namarudzi aIsraeri.

6. “Rubheni ngaararame uye arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”

7. Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha:“Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”

8. Pamusoro paRevhi akati,“Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndezvomunhu wamunoda. Makamuedza paMasa; makarwa naye pamvura dzeMeribha.

9. Iye akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu.

10. Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.

11. Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”

12. Pamusoro paBenjamini akati,“Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”

13. Pamusoro paJosefa akati,“Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;

14. nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;

15. nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 33