Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 32:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.

9. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.

10. Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake,

11. segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro.

12. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.

13. Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara,

14. noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondohwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.

15. Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.

16. Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.

17. Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.

18. Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka.

19. Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.

20. “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,“tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 32