Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 32:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.

20. “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,“tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.

21. Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.

22. Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo.

23. “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.

24. Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva.

25. Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhu-ndutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo.

26. Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,

27. asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ”

28. Nokuti ivo rudzi rusina mano, havagoni kunzvera pakati pavo.

29. Dai chete vakanga vakachenjera uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei!

30. Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?

31. Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu, sezvinofungwa navavengi vedu.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 32