Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 31:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Zvino ndichaviga chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nokuda kwezvakaipa zvavo zvose zvokutsaukira kuna vamwe vamwari.

19. “Zvino zvinyorerei rwiyo urwu mugorudzidzisa kuvaIsraeri uye mugovaita kuti varuimbe, kuitira kuti chigova chapupu kwandiri pamusoro pavo.

20. Kana ndichinge ndavauyisa munyika inoerera mukaka nouchi, nyika iyo yandakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo, uye kana vachinge vadya vaguta uye vakora, vachatsaukira kuna vamwe vamwari vagovanamata, vachindiramba uye vachiputsa sungano yangu.

21. Zvino kana njodzi namatambudziko mazhinji zvavawira, rwiyo urwu ruchavapupurira pamusoro pavo, nokuti haruzombokanganwikwi nezvizvarwa zvavo. Ini ndinoziva zvavachazoita, kunyange ndisati ndavauyisa munyika yandakavavimbisa nemhiko.”

22. Saka Mozisi akanyora rwiyo urwu nomusi uyu uye akarudzidzisa kuvaIsraeri.

23. Jehovha akapa murayiro uyu kuna Joshua mwanakomana waNuni akati, “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchauyisa vaIsraeri munyika yandakavavimbisa nemhiko, uye ini pachangu ndichava newe.”

24. Mushure mokunge Mozisi apedza kunyora mubhuku mashoko omurayiro uyu kubva pokutanga kusvikira pokupedzisira,

25. akapa murayiro uyu kuvaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti,

26. “Torai Bhuku iri roMurayiro muriise parutivi peareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu. Ipapo richagara sechapupu pamusoro penyu.

27. Nokuti ndinoziva kuti vanomukira sei uye kuti mitsipa yavo mikukutu sei. Kana maimukira Jehovha ndichiri mupenyu uye ndiri pakati penyu, ko, kuzoti ndikange ndafa muchamumukira zvakadii!

28. Ndiunganidzirei vakuru vose vamarudzi enyu namachinda enyu ose, kuti nditaure kwavari mashoko vachinzwa uye ndigodana denga nenyika zvivapupurire.

29. Nokuti ndinoziva kuti mushure mokunge ndafa imi muchazvishatisa kwazvo uye muchatsauka kubva panzira yandakakurayirai. Pamazuva anouya, njodzi ichakuwirai nokuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimutsamwisa nokuda kwezvakaitwa namaoko enyu.”

30. Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu kubva kumavambo kusvikira kumagumo, ungano yose yeIsraeri ichinzwa:

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 31