Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 30:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Hauzi kudenga, zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani achatikwirira kudenga kundoutora agotiparidzira kuti tiuite?”

13. Kana kuti uri mhiri kwegungwa zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani angatiyambukira mhiri kundotitorera kuti atiparidzire kuti tiuite.”

14. Kwete, shoko riri pedyo newe kwazvo; riri mumuromo mako nomumwoyo mako kuti uriite.

15. Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 30