Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 30:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kana kuropafadzwa nokutukwa uku kwose kwandaisa pamberi penyu kwakuwirai uye mazviisa pamwoyo kwose kwamunoparadzirwa naJehovha Mwari wenyu pakati pendudzi,

2. uye kana iwe navana vako ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako ukamutereera nomwoyo wako wose nomweya wako wose maererano nezvose zvandakurayirai nhasi,

3. ipapo Jehovha Mwari wenyu achakudzorerai pfuma yenyu agokunzwirai tsitsi nokukuunganidzai kubva kundudzi dzose kwaakakuparadzirai.

4. Kunyange dai manga makarasirwa kunyika iri kure kwazvo pasi pedenga, kubva ikoko Jehovha Mwari wenyu achakuunganidzai uye agokudzosai.

5. Achakudzosai kunyika yamadzibaba enyu, uye muchaitora igova yenyu. Achakuitai kuti munyanyobudirira uye muwande kupfuura madzibaba enyu.

6. Jehovha Mwari wenyu achadzingisa mwoyo yenyu nemwoyo yezvizvarwa zvenyu, kuitira kuti mugomuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, mugorarama.

7. Jehovha Mwari wenyu achaisa kutukwa uku kwose pamusoro pavavengi venyu vanokuvengai nokukutambudzai.

8. Muchateererazve Jehovha nokutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.

9. Ipapo Jehovha Mwari wako achakupfumisa zvikuru mumabasa ose amaoko ako nechibereko chomuviri wako, nezvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvibereko zvevhu rako. Jehovha achafadzwazve newe agokupfumisa, sokufadzwa kwaakaitwa namadzibaba ako,

10. kana ukateerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro yake nemitemo yake yakanyorwa mubhuku iri roMurayiro uye ukadzoka kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.

11. Zvino zvandiri kukurayirai nhasi hazvina kunyanya kukuomerai kana kuva kure nemi.

12. Hauzi kudenga, zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani achatikwirira kudenga kundoutora agotiparidzira kuti tiuite?”

13. Kana kuti uri mhiri kwegungwa zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani angatiyambukira mhiri kundotitorera kuti atiparidzire kuti tiuite.”

14. Kwete, shoko riri pedyo newe kwazvo; riri mumuromo mako nomumwoyo mako kuti uriite.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 30