Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 28:45-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Kutukwa kwose uku kuchauya pamusoro pako. Vachakutevera vagokubata kusvikira vakuparadza, nokuti hauna kuteerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro nemitemo yake yaakakupai.

46. Ivo vachava chiratidzo nechishamiso kwamuri uye nokuvana venyu nokusingaperi.

47. Nokuti hamuna kushumira Jehovha Mwari wenyu nomufaro nokupembera panguva yokubudirira,

48. naizvozvo munzara nenyota, mukushama nomuurombo hwakaipisisa, muchashandira vavengi vakatumwa naJehovha kuzokurwisai. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza.

49. Jehovha achauyisa rudzi kubva kure kuzokurwisai, kubva kumigumo yenyika, segondo rinobhururuka, rudzi rune mutauro wamusinganzwisisi,

50. rudzi runotyisa kutarisa rusingakudzi vatana kana kunzwira tsitsi vaduku.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 28