Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 25:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ipapo vakuru veguta romurume uyu vanofanira kumudana vataure naye. Kana akaramba achiti, “Handidi zvangu kumuwana,”

9. chirikadzi yehama yake inofanira kuenda kwaari pamberi pavakuru, agomubvisa imwe yeshangu dzake, uye agomusvipira kumeso achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa kumurume anoramba kuvaka imba yomukoma wake.”

10. Imba yomurume uyu ichazivikanwa muIsraeri nezita rokuti Imba Yomurume Akabvisa Shangu Yake.

11. Kana varume vaviri vachirwa ipapo mukadzi womumwe wavo akauya kuzonunura murume wake pane anomurwisa, uye akaswedera akabata murume uya nhengo dzake,

12. munofanira kugura ruoko rwake. Musamunzwira tsitsi.

13. Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka.

14. Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku.

15. Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako.

16. Nokuti Jehovha Mwari wako anonyangadzwa nomunhu anoita zvinhu izvi, munhu upi zvake, anoita zvinhu nokusatendeka.

17. Murangarire zvamakaitirwa navaAmareki parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 25