Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 25:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kana vanhu vane gakava, vanofanira kuenda kudare uye vatongi vachatonga nyaya iyi, vachiruramisira asina mhosva nokupa mhosva uyo akatadza.

2. Kana munhu ane mhosva achifanira kurohwa, mutongi anofanira kumuti arare pasi agoita kuti arohwe pamberi pake neshamhu dzakafanira mhosva yake.

3. Asi haafaniri kupiwa shamhu dzinodarika makumi mana. Kana akarohwa zvakapfurikidza mwero, hama yako inenge yazvidzwa pamberi pako.

4. Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 25