1. Kana vanhu vane gakava, vanofanira kuenda kudare uye vatongi vachatonga nyaya iyi, vachiruramisira asina mhosva nokupa mhosva uyo akatadza.
2. Kana munhu ane mhosva achifanira kurohwa, mutongi anofanira kumuti arare pasi agoita kuti arohwe pamberi pake neshamhu dzakafanira mhosva yake.