Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 20:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Kana muchinge mava kuda kurwa, muprista anofanira kuuya kuzotaura kuvarwi.

3. Iye achati, “Inzwai, imi Israeri, nhasi muri kuenda kundorwa navavengi venyu. Mwoyo yenyu ngairege kupera simba kana kutya; regai kutyiswa kana kuvhundutswa pamberi pavo.

4. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anoenda nemi kundokurwirai kuvavengi venyu kuti akukundisei.”

5. Vakuru vachatiwo kuvarwi, “Pane akavaka imba yake itsva here asati aikumikidza? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazoikumikidza.

6. Pane akarima munda womuzambiringa here uye asati atanga kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazodya michero yawo.

7. Pane akanyenga musikana here uye asati amuwana? Ngaadzokere kumba kwake, nokuti angafa pakurwa uye mumwewo akazomuwana.”

8. Ipapo vakuru vachati zvakare, “Pane anotya here kana ane mwoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake kuitira kuti hama dzake dzisazorwadziwawo mwoyo saiye.”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 20