Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 2:8-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Naizvozvo takapfuura hama dzedu vana vaEsau, vanogara muSeiri. Takasiya nzira inoenda kuArabha, yeArabha, inobva kuErati neEzioni Gebheri, ndokufamba nenzira yomurenje reMoabhu.

9. Ipapo Jehovha akataura kwandiri, akati, “Musafurusa vaMoabhu kana kuvadenha, nokuti handizokupai chikamu chipi zvacho chenyika yavo. Ndakapa Ari kuvana vaRoti kuti ive yavo.”

10. (VaEmi vaisigarako vaiva vanhu vakasimba, vakawanda uye vakareba savaAnaki.

11. SavaAnaki ivowo vaionekwa savaRefaimu, asi vaMoabhu vaivadana nezita rokuti vaEmi.

12. VaHori vaimbogarawo muSeiri, asi vana vaEsau vakavadzinga kubva imomo. Vakaparadza vaHori vakanga varimo ivo vasati vavamo vakagara munzvimbo yavo, sezvakangoitawo Israeri munyika yavakapiwa naJehovha kuti ive yavo).

13. Uye Jehovha akati, “Zvino chisimukai muyambuke Mupata weZeredhi.” Saka akayambuka mupata.

14. Makore makumi matatu namasere akanga apfuura kubva panguva yatakabva paKadheshi Bharinea kusvikira patakazoyambuka Mupata weZeredhi. Panguva iyoyi rudzi rwose rwavarume vezera rokurwa rwakanga rwaparara kubva pamisasa, sezvakanga zvapikirwa naJehovha kwavari.

15. Ruoko rwaJehovha rwakaramba ruchivarwisa kusvikira rwavaparadza zvachose.

16. Zvino wokupedzisira pakati pavarume ava vokurwa akati afa,

17. Jehovha akati kwandiri,

18. “Nhasi unofanira kupfuura nomunyika yeMoabhu, paAri.

19. Kana woswedera pedyo navaAmoni, usavafurusa kana kuvadenha kuti murwisane, nokuti handingakupei kuti mutore nyika ipi zvayo yavaAmori. Ndakaipa kuti ive yezvizvarwa zvaRoti.”

20. (Naiyowo yainzi inyika yevaRafaimu, vaisimbogaramo; asi vaAmoni vaivadaidza kuti vaZamuzumi.

21. Vaiva vanhu vakasimba, vakawanda, uye vakareba savaAnaki. Jehovha akavaparadza pamberi pavaAmoni, avo vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo.

22. Jehovha akanga aitira zvimwe chetezvo kuzvizvarwa zvaEsau, vaigara muSeiri, paakaparadza vaHori pamberi pavo. Vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo kusvikira nhasi.

23. Uye kana vari vaAvhi vakange vagere mumisha kusvikira Gaza, vaKafitori vaibva Kafitori vakavaparadza ndokugara munzvimbo yavo.)

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 2