Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 2:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri.

2. Ipapo Jehovha akati kwandiri,

3. “Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro.

4. Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau, vagere paSeiri. Ivo vachakutyai, asi muchenjere kwazvo.

5. Musavatanga kuti murwe, handingakupei chikamu chipi zvacho chenyika yavo, kunyange pangakwana kuisa rutsoka rwenyu. Ndakapa Esau nyika yamakomo yeSeiri kuti ive yake.

6. Munofanira kuvaripa nesirivha zvokudya zvamuchadya nemvura yamuchanwa.’ ”

7. Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Iye akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa.

8. Naizvozvo takapfuura hama dzedu vana vaEsau, vanogara muSeiri. Takasiya nzira inoenda kuArabha, yeArabha, inobva kuErati neEzioni Gebheri, ndokufamba nenzira yomurenje reMoabhu.

9. Ipapo Jehovha akataura kwandiri, akati, “Musafurusa vaMoabhu kana kuvadenha, nokuti handizokupai chikamu chipi zvacho chenyika yavo. Ndakapa Ari kuvana vaRoti kuti ive yavo.”

10. (VaEmi vaisigarako vaiva vanhu vakasimba, vakawanda uye vakareba savaAnaki.

11. SavaAnaki ivowo vaionekwa savaRefaimu, asi vaMoabhu vaivadana nezita rokuti vaEmi.

12. VaHori vaimbogarawo muSeiri, asi vana vaEsau vakavadzinga kubva imomo. Vakaparadza vaHori vakanga varimo ivo vasati vavamo vakagara munzvimbo yavo, sezvakangoitawo Israeri munyika yavakapiwa naJehovha kuti ive yavo).

13. Uye Jehovha akati, “Zvino chisimukai muyambuke Mupata weZeredhi.” Saka akayambuka mupata.

14. Makore makumi matatu namasere akanga apfuura kubva panguva yatakabva paKadheshi Bharinea kusvikira patakazoyambuka Mupata weZeredhi. Panguva iyoyi rudzi rwose rwavarume vezera rokurwa rwakanga rwaparara kubva pamisasa, sezvakanga zvapikirwa naJehovha kwavari.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 2