Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 19:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Kana chapupu chenhema chikapupurira munhu kuti ane mhaka,

17. varume ava vari vaviri vari kuitirana nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha napamberi pavaprista navatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo.

18. Vatongi vanofanira kunyatsoferefeta nyaya iyi, zvino kana chapupu ichi chikabatwa kuti chinoreva nhema, chichipa uchapupu hwenhema pamusoro pehama yake,

19. ipapo itai kwaari sezvaanga achida kuita kuhama yake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.

20. Vanhu vose vachanzwa izvi vagotya uye chakaipa chakadai hachizoitwizve pakati penyu.

21. Musaratidza tsitsi, upenyu noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 19