Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa.