Ngapasava nechimwe chezvinhu izvo zvakatongwa chinoonekwa mumaoko ako, kuti Jehovha adzore kutsamwa kwake kukuru; achakunzwirai tsitsi, agokunzwirai ngoni uye achakuwedzerai uwandu hwenyu, sezvaakakuvimbisai nemhiko kumadzitateguru enyu,