Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 1:30-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo,

31. uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.”

32. Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu,

33. iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, uye mugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo.

34. Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti,

35. “Hakungavi nomunhu mumwe worudzi urwu achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu,

36. kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.”

37. Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi.

38. Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo.

39. Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 1