Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi.

2. (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhu kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.)

3. Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha akamurayira pamusoro pavo.

4. Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 1