Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 8:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Paakanga achataura neni, ndakabatwa nehope huru kwazvo, chiso changu chakatarira pasi. Ipapo akandibata akandisimudza ndikamira netsoka dzangu.

19. Akati, “Ndichakuzivisa zvichaitika pakupedzisira munguva yehasha, nokuti chiratidzo ndechenguva yakatarwa yokupedzisira.

20. Gondohwe rine nyanga rawakaona rinomirira madzimambo eMedhia nePezhia.

21. Nhongo ine mvere dzakamvirinyinyika ndiyo mambo weGirisi, uye runyanga rukuru rwuri pakati pameso ndiyo mambo wokutanga.

22. Nyanga ina dzakatsiva ruya rwakavhunuka dzinomirira ushe una huchabuda murudzi rwake asi hahuzovi nesimba rakaenzana.

23. “Panguva yokupedzisira yokutonga kwavo, vapanduki pavachanyanya kuipa, mambo ane chiso chakaomarara, mukuru wouipi, achamuka.

24. Achava nesimba kwazvo, asi risiri simba rake chairo. Achakonzera kuparadzwa kunoshamisa uye achabudirira pane zvose zvaanoita. Achaparadza varume vane simba navanhu vatsvene.

25. Achaita kuti kunyengera kubudirire, uye achazviona somunhu wapamusoro. Achaparadza vazhinji, pavanofunga kuti vagarika ndokumukiravo Muchinda wamachinda. Asi zvazvo achazoparadzwa, asi kwete nesimba romunhu.

26. “Chiratidzo chamadekwana nechamagwanaani chakapiwa kwauri ndechechokwadi, asi vanza chiratidzo icho, nokuti ndechenguva inouya.”

27. Ini, Dhanieri, ndakapera simba ndikarwara kwamazuva mazhinji. Ipapo ndakamuka hangu ndikandobata basa ramambo. Ndakatyiswa nechiratidzo; chakanga chisinganzwisisike.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 8