Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 7:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva.

13. “Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake.

14. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingazongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.

15. “Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza.

16. Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose. “Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti,

17. ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika.

18. Asi vatsvene voWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’

19. “Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara.

20. Ndakadawo kuziva pamusoro penyanga gumi dzakanga dziri pamusoro wayo uye napamusoro porumwe runyanga rwuya rwakabuda, dzimwe dzacho nhatu dzikawa pamberi payo, runyanga rwuya rwainyanya kuva nomukundo kupfuura dzimwe, uye rwakanga runa meso uye nomuromo waitaura mashoko okuzvikudza.

21. Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda,

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 7