Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 6:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. “Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoushe hwangu vanhu vanofanira kutya nokuremekedza Mwari waDhanieri. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu uye anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi.

27. Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”

28. Saka Dhanieri akabudirira pamazuva okutonga kwaDhariasi nokutonga kwaSirasi muPezhia.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 6