Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 4:23-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. “Imi, iyemi mambo, makaona mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kudenga achiti, ‘Temai muti uyo muuparadze, asi musiye hunde, yakasungwa nesimbi nendarira, mukati mebundo resango, asi midzi yawo iri muvhu. Ngaanyoroveswe nedova redenga; ngaararame semhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.

24. “Uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ichi ndicho chirevo choWokumusoro-soro chapiwa pamusoro penyu, ishe wangu mambo:

25. Muchadzingwa pakati pavanhu uye muchagara nemhuka dzesango; muchadya bundo semombe uye muchanyoroveswa nedova redenga. Nguva nomwe dzichakupfuurai kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani zvake waanenge ada.

26. Zvakarayirwa kuti hunde yomuti nemidzi yawo zvirambe zviripo zvinoreva kuti umambo hwenyu huchavandudzwa pamuchayeuka kuti denga rinotonga.

27. Naizvozvo, imi mambo, farirai mugogamuchira zvandinokurayirai: Fukidzai zvivi zvenyu nokuita zvakarurama, uye kuipa kwenyu nokuitira zvakanaka vanomanikidzwa. Zvimwe zvingaitika kuti ipapo kubudirira kwenyu kuchaenderera mberi.”

28. Zvose izvi zvakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari.

29. Shure kwemwedzi gumi nemiviri, panguva iyo mambo aifamba pamusoro peimba youshe hweBhabhironi,

30. iye akati, “Ko, iri harizi Bhabhironi guru randakavaka sougaro hwoushe, nesimba rangu guru uye nokuda kwokubwinya kwoushe hwangu here?”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 4