Saka machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachengeti vepfuma, navatongi, namakurukota edzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari, vakamira pamberi pacho.