Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vana Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa?