Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 2:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga

20. akati, “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperiperi; uchenjeri nesimba ndezvake.

21. Iye anoshandura nguva nenhambo; ndiye anogadza madzimambo nokuabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera.

22. Anozarura zvakadzika nezvakavanzika, anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari.

23. Ndinokuvongai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”

24. Ipapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.”

25. Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.”

26. Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota nokuzvidudzira?”

27. Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana n'anga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho

28. asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:

29. “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakadzokera pazvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika.

30. Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu.

31. “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 2