Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 11:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ipapo mambo ane simba achavapo, uyo achatonga nesimba guru nokuita sezvaanoda.

4. Shure kwokuonekwa kwake, ushe hwake huchatsemuka hugogoverwa kumhepo ina dzedenga.

5. “Mambo weZasi achava neimba, asi mumwe wavakuru vake vehondo achava nesimba kupfuura iye uye achatonga muumambo hwake amene nesimba guru.

6. Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira.

7. “Mumwe anobva mumhuri yake achamutswa kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 11