Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 10:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rechitatu ramambo Sirasi wePezhia, Dhanieri (iye ainzi Bheriteshazari) akazarurirwa. Shoko racho rakanga riri rechokwadi uye raireva kurwa kukuru. Akanzwisisa shoko iri nechiratidzo.

2. Panguva iyo, ini, Dhanieri ndakachema kwevhiki nhatu.

3. Handina kudya zvokudya zvakanaka; kunyange nyama kana waini hazvina kusvika pamuromo wangu; uye handina kana kuzora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzapera.

4. Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, pandaiva ndimire pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Tigirisi,

5. ndakatarisa kumusoro uye hapo pamberi pangu pakanga pane murume akapfeka nguo dzomucheka, nebhanire regoridhe yakanatswa muchiuno chake.

6. Muviri wake wakanga wakaita sekirisoreti, chiso chake chichipenya semheni, meso ake aipfuta somwenje, maoko ake namakumbo ake zvichivaima sendarira yakakweshwa, uye inzwi rake rakafanana nomutinhiro wavazhinji.

7. Ini, Dhanieri, ndini ndoga chete ndakaona chiratidzo; varume vakanga vaneni havana kuchiona, asi kutyisa kwakadai kwakavavhundutsa zvokuti vakatiza vakandovanda.

8. Saka ndakasiyiwa ndiri ndoga, ndakatarira kuchiratidzo chikuru; ndakanga ndisisina simba, chiso changu chakashanduka chikatsvukuruka uye ndakanga ndapererwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 10