Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 7:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.

11. Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda muutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

12. Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvakoikoko uchiprofita ikoko.

13. Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”

14. Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo.

15. Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’

16. Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”

17. “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yavahedheni, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 7