Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 5:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu:

2. “Yawira pasi Mhandara Israeri, haingazosimukizve, akasiyiwa ari oga munyika yake, pasina angamusimudza.”

3. Zvanzi naIshe Jehovha, “Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri richasarirwa nezana chete; guta richaendesa varwi zana vakasimba richasarirwa negumi chete.”

4. Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri, “Nditsvakei murarame;

5. musatsvaka Bheteri, musaenda kuGirigari, musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha. Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa, uye Bheteri richava sapasina chinhu.

6. Tsvakai Jehovha mugorarama, mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto; uchaparadza, uye Bheteri richashaya anoudzima.

7. Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava uye muchikandira kururama pasi

8. (Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni, anoshandura rima richiva mambakwedza, uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku, anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika, Jehovha ndiro zita rake,

9. kamwe kamwe anoparadza nhare nokuita kuti guta rina masvingo rive dongo),

10. munovenga anorayira padare uye munozvidza anotaura chokwadi.

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 5