Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 2:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo savanotsika paguruva, uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa. Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete, nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.

8. Vanovata pasi parutivi pearitari imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso. Mumba yamwari wavo vanonwa waini yakatorwa somuripo.

9. “Ndakaparadza Amori pamberi pavo, kunyange akanga akareba somusidhari uye akasimba somuouki. Ndakaparadza zvibereko zvake kumusoro nemidzi yake pasi.

10. “Ndakakubudisa kubva muIjipiti, ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje, kuti ndikupe nyika yavaAmori.

11. Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu, navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu. Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

12. “Asi makaita kuti vaNaziri vamwe waini uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.

13. “Zvino ipapo ndichakupwanyai sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.

14. Vanomhanya kwazvo havangapunyuki, vakasimba havangazovi nesimba ravo, uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.

15. Anopfura nemiseve haangazoramba amire, murwi anogona kumhanya haangapunyuki, uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.

16. Kunyange mhare dzakashinga dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 2