Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 2:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu.

2. Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.

3. Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

4. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 2