Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 1:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu,

7. ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake.

8. Ndichaparadza mambo weAshidhodhi uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, vakasacherechedza sungano youkama,

10. ndichatuma moto pamasvingo eTire, uchaparadza nhare dzake.”

11. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa munun'una wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimika,

12. ndichatuma moto pamusoro peTemani uchaparadza nhare dzeBhozira.”

13. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake,

14. ndichatungidza moto pamasvingo eRabha uchaparadza nhare dzaro, pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, pakati pemhepo huru nezuva redutu.

15. Mambo wake achaenda muutapwa, iye namakurukota ake pamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 1