Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 1:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. ndichatuma moto pamasvingo eTire, uchaparadza nhare dzake.”

11. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa munun'una wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimika,

12. ndichatuma moto pamusoro peTemani uchaparadza nhare dzeBhozira.”

13. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake,

14. ndichatungidza moto pamasvingo eRabha uchaparadza nhare dzaro, pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, pakati pemhepo huru nezuva redutu.

15. Mambo wake achaenda muutapwa, iye namakurukota ake pamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 1