Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 1:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.

2. Akati, “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.”

3. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare,

4. ndichatumira moto paimba yaHazaeri uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.

5. Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

6. Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu,

7. ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake.

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 1