Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 8:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mambo Dhavidhi akakumikidza midziyo iyi kuna Jehovha, sezvaakanga aita nesirivha negoridhe yakanga yabva kundudzi dzose dzaakanga akunda dzinoti:

12. Edhomu neMoabhu, vaAmoni navaFiristia, neAmareki. Akakumikidzazve zvaakanga apamba kubva kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhi, mambo weZobha.

13. Uye Dhavhidhi akava nomukurumbira paakadzoka kundouraya gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaEdhomu paMupata weMunyu.

14. Akaisa mapoka avarwi munyika yose yeEdhomu, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akaita kuti Dhavhidhi akunde kwose kwaakaenda.

15. Dhavhidhi akabata ushe pamusoro peIsraeri yose, achiita zvakarurama nezvakanaka kuvanhu vose.

16. Joabhu mwanakomana waZeruya aiva mukuru wehondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva muchengeti wemidziyo,

17. Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Seraya aiva munyori;

18. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutariri wavaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapi vamazano vamambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 8