Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 5:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda omusidhari, navavezi navavaki vanoshandisa matombo uye vakavakira Dhavhidhi muzinda.

12. Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo weIsraeri uye akanga asimudzira umambo hwake nokuda kwavanhu vake Israeri.

13. Mushure mokunge abva paHebhuroni, Dhavhidhi akazvitorera vamwe varongo navakadzi muJerusarema, uye akaberekerwa vamwe vanakomana navanasikana.

14. Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shobhabhi, Natani, Soromoni,

15. Ibhari, Erishua, Shamua, Nefegi, Jafia,

16. Erishama, Eriadha naErifereti.

17. VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwira vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare.

18. Zvino vaFiristia vakanga vauya vakapararira muMupata weRefaimu.

19. Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFiristia? Ko, muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFiristia mumaoko ako.”

20. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari Perazimu, uye ikoko akavakunda. Akati, “Sokupaza kunoita mvura, Jehovha apaza vavengi vangu pamberi pangu.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Bhaari Perazimu.

21. VaFiristia vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 5