Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 22:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;ndakadanidzira kuna Mwari wangu.Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

8. “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;dzakadedera nokuti akanga atsamwa.

9. Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;moto unoparadza wakabuda mumuromo make,mazimbe anopisa akapfutamo.

10. Akakamura matenga akaburuka pasi;makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

11. Akatasva makerubhi akabhururuka;akabhururuka mudengadenga pamapapiro emhepo.

12. Akaita kuti rima rimupoteredze setende,iwo makore matema emvura yokudenga.

13. Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan'ana emheni akapenya.

14. Jehovha akatinhira ari kudenga;inzwi roWokumusoro-soro rakanzwikazve.

15. Akapfura miseve akaparadzira vavengi,mabhanan'ana emheni akavaparadza.

16. Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha,nokufema kwomweya nemhino dzake.

17. “Akatambanudza ruoko ari kudenga uye akandibata;akandibudisa kubva pamvura yakadzika.

18. Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi,vakanga vachindikurira pasimba.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 22