Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 22:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Mabote eguva akandimonera;misungo yorufu yakandivinga.

7. Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;ndakadanidzira kuna Mwari wangu.Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

8. “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;dzakadedera nokuti akanga atsamwa.

9. Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;moto unoparadza wakabuda mumuromo make,mazimbe anopisa akapfutamo.

10. Akakamura matenga akaburuka pasi;makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

11. Akatasva makerubhi akabhururuka;akabhururuka mudengadenga pamapapiro emhepo.

12. Akaita kuti rima rimupoteredze setende,iwo makore matema emvura yokudenga.

13. Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan'ana emheni akapenya.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 22