Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 22:48-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,

49. anondisunungura kubva kuvavengi vangu.Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu;kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura.

50. Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi;ndicharumbidza zita renyu nenziyo.

51. Iye anopa mambo wake kukunda kukuru;anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake,kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 22