Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 2:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabhesi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro,

5. akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita.

6. Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi.

7. Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 2