Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 19:22-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Dhavhidhi akapindura akati, “Ndineiko nemi, imi vanakomana vaZeruya zvokuti nhasi mava vavengi vangu! Pane munhu angafanira kufa muIsraeri nhasi here? Ko, handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?”

23. Saka mambo akati kuna Shimei, “Haungafi.” Uye mambo akamuvimbisa nemhiko.

24. Mefibhosheti muzukuru waSauro, akaburukawo kundosangana namambo. Haana kuva nehanya netsoka dzake kana kuguririra ndebvu dzake kana kusuka nguo dzake kubvira pazuva rakasimuka mambo kusvikira pazuva raakadzoka ari mupenyu.

25. Paakasvika achibva kuJerusarema achindosongana namambo, mambo akamubvunza akati, “Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?”

26. Iye akati, “Ishe wangu mambo, sezvo ini muranda wenyu ndiri chirema, ndakati, ‘Ndichaita kuti mbongoro yangu igadzikwe chigaro uye ndigoitaswa, kuti ndigoenda namambo.’ Asi Zibha muranda wangu akandipandukira.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Samueri 19